Habakkuk 3

Munyengetero waHabhakuki

1Munyengetero wamuprofita Habhakuki unoimbwa neshigionoti.

2Jehovha, ndakanzwa zvomukurumbira wenyu;
haiwa Jehovha, ndinomira ndichitya mabasa enyu.
Avandudzei pamazuva edu,
panguva yedu ngaaziviswe;
pakutsamwa kwenyu rangarirai tsitsi.

3Mwari akabva kuTemani,
iye Mutsvene akabva kuGomo reParani. Sera
Umambo hwake hwakazadza matenga
uye mbiri yake yakazadza nyika.
4Kubwinya kwake kwakaita sokubuda kwezuva;
bwerazuva hwakapenya huchibva muruoko rwake,
makanga makavigwa simba rake.
5Hosha yakaenda ichibva pamberi pake;
denda rakatevera nhambwe dzake.
6Akamira, akazungunusa nyika;
akatarisa, akabvundisa ndudzi dzavanhu.
Makomo akare kare akakoromoka
uye zvikomo zvakare zvakawira pasi.
Nzira dzake dzinogara nokusingaperi.
7Ndakaona matende eKushani ari panhamo,
nzvimbo dzokugara dzeMidhiani dziri pakutambudzika.

8Ko, makanga matsamwira nzizi here, nhai Jehovha?
Makanga matsamwira zvikova here, nhai Jehovha?
Makatsamwira gungwa here
pamakafambisa mabhiza enyu
nengoro dzenyu dzokukunda?
9Makabudisa pachena uta hwenyu,
mukadaidzira miseve mizhinji. Sera
Makatsemura nyika nenzizi;
10makomo akakuonai akadedera.
Mvura zhinji yakapfuura;
kwakadzika kwakatinhira
kukasimudza mafungu pamusoro.

11Zuva nomwedzi zvakambomira kumatenga
zvichiona kuvaima kwemiseve yenyu yaipfuura,
zvichiona kupenya kwepfumo renyu rinobwinya.
12Mukutsamwa kwenyu makapfuura napanyika
uye mukushatirwa kwenyu makarasa ndudzi.
13Makauya kuzonunura vanhu venyu,
kuzoponesa muzodziwa wenyu.
Makaparadza mutungamiri wenyika yavakaipa,
mukamufukura kubva kumusoro kusvika kutsoka. Sera
14Nepfumo rake chairo makabaya musoro wake,
pakauya varwi vake sechamupupuri kuzotiparadzira,
vachifara savanoda kuparadza
vanotambudzika vakanga vakavanda.
15Makatsika-tsika gungwa namabhiza enyu,
mukabvongodza mvura zhinji.

16Ndakazvinzwa, hana yangu ikarova,
miromo yangu yakadedera pandakanzwa maungira;
kuora kwakapinda mumapfupa angu,
makumbo angu akadedera.
Asi ndichamirira hangu zuva renjodzi
kuti riuye pamusoro porudzi ruchatirwisa.
17Kunyange dai muonde ukasatunga maruva,
uye mizambiringa ikashayiwa zvibereko,
kunyange kubereka kwomuorivhi kukakona,
uye minda ikasabereka zvokudya,
kunyange dai kukasava namakwai muchirugu
uye mombe dzikashayikwa mumatanga,
18kunyange zvakadaro, ndichafara muna Jehovha,
ndichava nomufaro muna Mwari Muponesi wangu.

19Ishe Jehovha ndiye simba rangu;
anoita kuti tsoka dzangu dziite setsoka dzenondo,
anondifambisa pamatunhu akakwirira.

Kumutungamiri wokuimba, nemitengeranwa yangu.
Copyright information for SnaBDSC